1. Zvino nyika yose yakanga ino rurimi rumwe chete nokutaura kwakafanana.
2. Vanhu vakati vachitamira kumabvazuva, vakawana bani romuShinari uye vakagaramo.
3. Vakataurirana vakati, “Uyai, ngatiitei zvidhina tigozvipisa kwazvo.” Vakashandisa zvidhina pachinzvimbo chamabwe, uye bhitumiti rikava dhaka ravo.
4. Ipapo vakati, “Uyai, ngatizvivakirei guta neshongwe inosvika kudengadenga, kuti tizviitire mukurumbira uye kuti tirege kupararira panyika yose.”