13. “Zvakaitika kwatiri zvakaitika nokuda kwamabasa edu akaipa nemhosva yedu huru, asi kunyange zvakadaro, imi Mwari wedu makatiranga zvishoma kupfuura zvaikodzera zvivi zvedu uye makatipa vakasara vakadai.
14. Tingaputsazve here mirayiro yenyu nokuwanana namarudzi anoita zvinhu zvinonyangadza zvakadai? Hamungatitsamwiri zvakafanira kutiparadza, muchitisiya pasina mupenyu kana angasara here?
15. Imi Jehovha, Mwari waIsraeri, makarurama! Tasara nhasi isu sevakasara. Zvino tiri pano pamberi penyu nemhosva yedu, kunyange pasina kana mumwe chete wedu angamira pamberi penyu nokuda kwechivi ichi.”