Ezira 8:21-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Ipapo, paRwizi rweAhavha, ndakatara nguva yokutsanya kuti tizvininipise pamberi paMwari wedu uye kuti timukumbire kuti atifambise rwendo rwakanaka isu navana vedu nepfuma yedu yose.

22. Nokuti ndakanyara kukumbira mambo kuti atipe varwi navatasvi vamabhiza kuti vatirwire kubva kuvavengi vedu parwendo nokuti takanga taudza mambo kuti, “Ruoko rwenyasha rwaMwari wedu rwuri pamusoro pomunhu wose anotarira kwaari.”

23. Naizvozvo takatsanya uye tikanyengetera kuna Mwari wedu pamusoro paizvozvi, uye akapindura munyengetero wedu.

24. Ipapo ndakatsaura vaprista vaitungamira gumi navaviri, pamwe chete naSherebhia, naHashabhia uye nehama dzavo gumi,

25. uye ndakavaerera zvipiriso zvesirivha negoridhe nemidziyo yakanga yapiwa kuimba yaMwari wedu namambo navapi vake vamazano namakurukota ake uye navaIsraeri vose.

26. Ndakavaerera matarenda mazana matanhatu namakumi mashanua esirivha, nemidziyo yesirivha yairema matarenda zanab, namatarenda zana egoridhe,

27. mbiya dzegoridhe makumi maviri dzaikosha madhariki chiuru chimwe chetec, uye nemidziyo miviri yakaisvonaka yendarira yaibwinya, inokosha segoridhe.

28. Ndakati kwavari, “Imi pamwe chete nemidziyo iyi makatsaurirwa Jehovha. Sirivha negoridhe ndizvo zvipo zvokupa nokuzvidira kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu.

29. Muzvirinde zvakanaka kusvikira mazviyera pamberi pavakuru vavaprista navaRevhi uye navakuru vemhuri dzavaIsraeri paJerusarema mumakamuri eimba yaJehovha.”

30. Ipapo vaprista navaRevhi vakagamuchira sirivha negoridhe nemidziyo mitsvene yakanga yaerwa kuti iendeswe kuimba yaMwari wedu muJerusarema.

31. Pazuva regumi namaviri romwedzi wokutanga takabva parwizi rweAhavha tichienda kuJerusarema. Ruoko rwaMwari rwakanga rwuri pamusoro pedu, uye akatidzivirira kubva kuvavengi navakanga vakativandira panzira.

Ezira 8