1. Vavengi veJudha neBenjamini vakati vanzwa kuti vatapwa vakanga vachivaka temberi yaJehovha, Mwari weIsraeri,
2. vakauya kuna Zerubhabheri nokuvakuru vedzimba vakati, “Titenderei kuti tikubatsirei kuvaka nokuti tinotsvaka Mwari wenyu, sezvamunoitawo, uye tinomubayira kubva pamazuva aEsarihadhoni mambo waAsiria, akatisvitsa pano.”
3. Asi Zerubhabheri, Jeshua navamwe vose vakuru vedzimba dzeIsraeri vakapindura vakati, “Hamuna mugove nesu mukuvaka temberi yaMwari wedu. Isu pachedu ndisu tichaivakira Jehovha, Mwari waIsraeri, sezvatakarayirwa naMambo Sirasi, mambo wePezhia.”
4. Ipapo marudzi akanga akavakomberedza akauya kuzoodza mwoyo yavanhu veJudha uye nokuvaita kuti vatye kuramba vachivaka.
5. Vakaripira vapi vamazano kuti vavapikise nokuvakanganisa paurongwa hwavo panguva yose yokutonga kwaSirasi mambo wePezhia uye kusvikira pakutonga kwaDhariasi mambo wePezhia.
6. Pakutanga kwokubata ushe kwaZekisesi vakapomera mhosva kuvanhu veJudha neveJerusarema.
7. Uye napamazuva aAtazekisesi mambo wePezhia, Bhishirami, Mitiredhati, Tabheeri navamwe vake vose vakanyora tsamba kuna Atazekisesi. Tsamba Yacho yakanga yakanyorwa namavara echiAramu uye nomutauro wechiAramu.