Ezira 10:19-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Vose vakapika namaoko avo kuti vachadzinga vakadzi vavo, uye pamhosva dzavo mumwe nomumwe wavo akapa gondohwe kubva pamakwai ake sechipiriso chechivi.

20. Kubva kuzvizvarwa zvaImeri: Hanani naZebhadia.

21. Kubva kuzvizvarwa zvaHarimu: Maaseya, Eria, Shemaya, Jehieri naUzia.

22. Kubva kuzvizvarwa zvaPashuri: Erioenai, Maaseya, Ishumaeri, Netaneri, Jozabhadhi naErasa.

23. Pakati pavaRevhi: Jozabhadhi, Shimei, Keraya (ndiye ainzi Kerita), Petahia, Judha naEriezeri.

Ezira 10