21. “Zvinosara kumativi maviri enzvimbo echikamu chitsvene, uye enzvimbo yeguta, zvichava zvomuchinda. Zvichaenda nechokumabvazuva zvichibva pazviuru makumi maviri nezvishanu zvamakubhiti zvomugove mutsvene kundosvika kumuganhu wokurutivi rwokumabvazuva, uye nokurutivi rwokumavirira kubva pamakubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu kusvikira kumuganhu wokumavirira. Nzvimbo idzi dziri mbiri dzakaenzana nemigove yamarudzi pakureba dzichava dzomuchinda, uye mugove mutsvene nenzvimbo tsvene yetemberi zvichava pakati pazvo.
22. Saka nzvimbo yavaRevhi nenzvimbo yeguta zvichange zviri pakati penzvimbo yomuchinda. Nzvimbo yomuchinda ichange iri pakati pomuganhu weJudha nomuganhu waBhenjamini.
23. “Kana ari mamwe marudzi asara: Bhenjamini achava nomugove mumwe chete: Uchabva kurutivi rwokumabvazuva uchindosvika kurutivi rwokumavirira.
24. “Simeoni achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaBhenjamini kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
25. “Isakari achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaSimeoni kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
26. “Zebhuruni achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaIsakari kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
27. “Gadhi achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaZebhuruni kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
28. “Muganhu worutivi rwezasi waGadhi uchananga kurutivi rwezasi uchibva kuTamari kusvikira kumvura zhinji yeMeribha Kadheshi, ipapo wozotevedza Rukova rweIjipiti kusvikira kuGungwa Guru.
29. “Iyi ndiyo nyika yaunofanira kugovera senhaka kumarudzi aIsraeri, uye iyi ndiyo ichava migove yavo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
30. “Aya achava masuo okubuda nawo eguta: Kutangira kurutivi rwokumusoro, kureba kwacho kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu,