14. Ndichaafudzira mumafuro akanaka, uye pamusoro pamakomo aIsraeri ndipo paachafura. Acharara pasi pamafuro akanaka ikoko, uye achafura pabumhudza rakanaka ikoko kumakomo eIsraeri.
15. Ini pachangu ndichafudza makwai angu nokuavatisa pasi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
16. Ndichatsvaka akarasika nokudzosa akadzingwa. Ndichasunga akakuvara nokusimbisa asina simba, asi akakora naane simba ndichaaparadza.