Ezekieri 31:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wechitatu pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2. “Mwanakomana womunhu, uti kuna Faro mambo weIjipiti navanhu vake vose: “ ‘Ndianiko angaenzaniswa newe paushe?

3. Rangarira Asiria, yaimbova musidhari muRebhanoni, wakanga una matavi akaisvonaka akanga akafukidzira dondo; wakareba kwazvo, munhengenya wawo uri pamusoro pamashizha akapfumvutira.

4. Mvura zhinji yakaukwira, zvitubu zvakadzika zvakaita kuti urebe, hova dzazvo dzakayerera dzichipoteredza hunde yacho, uye dzinotumira mironga yadzo kumiti yose yesango.

5. Saka wakareba kwazvo kupfuura miti yose yesango, mativi awo akawanda uye matavi awo akareba, achitandavara nokuda kwemvura zhinji.

Ezekieri 31