22. “ ‘Vashambadziri vokuShebha neRama vakatengeserana newe; pane zvawaishambadzira iwe ivo vakatsinhanisa namarudzi ezvinonhuwira ose uye namabwe anokosha, negoridhe.
23. “ ‘Harani, neKane neEdheni navashambadziri vokuShebha, Ashuri neKirimadhi vakatengesarana newe.
24. Vakatengeserana newe munzvimbo dzokutengesera nguo dzakaisvonaka, dzemicheka yebhuruu, nezvakarukwa, namachira amavara namabote akakoswa uye ana mafundo akasimba.
25. “ ‘Zvikepe zveTashishi zvakashanda pakutakura zvigadzirwa zvako. Iwe wakazadzwa nezvitakurwa zvinorema, ipo pamwoyo wegungwa.
26. Vakwasvi vako vanokutora voenda newe kumakungwa makuru. Asi mhepo yokumabvazuva ichakuputsa-putsa mumwoyo megungwa chaimo.