Ezekieri 27:19-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. “ ‘VaDhani navaGiriki vaibva kuUzari vakatenga zvawaishambadzira; vakatsinhanisa simbi yakabikwa, nekasia, nekaramo zvigadzirwa zvako.

20. “ ‘Dhedhani akatengeserana newe machira okugarira pamabhiza.

21. “ ‘Arabhia namachinda ose eKedhari vakanga vachikutengera; vakatengeserana newe namakwayana, namakondohwe nembudzi.

22. “ ‘Vashambadziri vokuShebha neRama vakatengeserana newe; pane zvawaishambadzira iwe ivo vakatsinhanisa namarudzi ezvinonhuwira ose uye namabwe anokosha, negoridhe.

23. “ ‘Harani, neKane neEdheni navashambadziri vokuShebha, Ashuri neKirimadhi vakatengesarana newe.

24. Vakatengeserana newe munzvimbo dzokutengesera nguo dzakaisvonaka, dzemicheka yebhuruu, nezvakarukwa, namachira amavara namabote akakoswa uye ana mafundo akasimba.

Ezekieri 27