Ezekieri 26:5-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Richava nzvimbo yokuruka mimbure yehove kugungwa ikoko, nokuti ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Richava chinhu chinopambwa chendudzi,

6. uye ugaro hwaro hwokumaruwa huchaparadzwa nomunondo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.

7. “Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ndichauyisira Tire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, mambo wamadzimambo, achibva nechokumusoro, ana mabhiza nengoro, navatasvi vamabhiza nehondo huru.

8. Iye achaparadza ugaro hwamaruwa ako nomunondo, achakuvakira nhare dzokurwa newe, uye achavaka mirwi yokurwa pamasvingo ako agosimudza nhoo dzokukurwisa nadzo.

9. Achatuma zvokugumura pamasvingo ako agokoromora shongwe dzako nezvombo zvake.

10. Mabhiza ake achawanda kwazvo zvokuti muchafukidzwa neguruva rawo. Masvingo ako achadengenyeka nomubvumo wamabhiza ehondo, nengoro dzamavhiri mana nengoro dzamavhiri maviri paanenge achipinda pamasuo ako somunhu anopinda muguta rina masvingo akaondomoka.

11. Mahwanda amabhiza ake achatsika-tsika nzira dzako dzomumisha dzose; achauraya vanhu vako nomunondo, uye mbiru dzako dzakasimba dzichawira pasi.

12. Vachapamba pfuma yako uye vachaba zvaunotengesa: vachakoromorera pasi masvingo ako uye vachaputsa dzimba dzako dzakaisvonaka nokurasa matombo ako nematanda namarara ako mukati megungwa.

13. Ndichagumisa mheremhere yenziyo dzako, nokurira kwembira dzako hakuchazonzwikwizve.

14. Ndichakuita dombo risina chinhu, uye uchava nzvimbo yokuyanika mimbure yehove. Hauchazovakwizve, nokuti ini Jehovha ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

15. “Zvanzi naIshe Jehovha kuTire: Ko, zviwi hazvichadengenyeki here pakunzwa mubvumo wokuwa kwako, vakakuvadzwa pavanenge vachigomera uye kuuraya kuchiitika mauri here?

16. Ipapo machinda ose omuzviwi achaburuka pazvigaro zvawo zvoushe vagoisa nhumbi dzavo dzoushe parutivi uye vagobvisa vachidedera nguva dzose, vashamiswa newe.

17. Ipapo vachaita mariro pamusoro pako vagoti kwauri: “ ‘Wakaparadzwa sei, iwe guta romukurumbira, wakanga uzere navanhu vomugungwa! Wakanga uri simba pamusoro pamakungwa, iwe navanhu vako; wakaisa kutya kwako pamusoro pavo vose vaigara ikoko.

Ezekieri 26