Ndichakatarisa izvi, makerubhi akatambanudza mapapiro awo ndokubhururuka kubva pasi, uye paaienda, mavhiri aiendawo nawo. Akandomira pamukova wesuo rokumabvazuva kweimba yaJehovha, uye kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakanga kuri pamusoro pawo.