1. Mugore ramakumi matatu, nomwedzi wechina pazuva rechishanu, ndiri pakati pavakatapwa, paRwizi rweKebhari, matenga akazarurwa, ndikaona zviratidzo zvaMwari.
2. Pazuva rechishanu romwedzi, riri gore rechishanu rokutapwa kwaMambo Jehoyakini,
3. shoko raJehovha rakasvika kuna Ezekieri muprista, mwanakomana waBhuzi paRwizi rweKebhari munyika yavaBhabhironi. Ipapo, ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pake.
4. Ndakatarira, ndikaona dutu remhepo richibva nechokumusoro, gore guru rine mheni yaipenya uye rakakomberedzwa nechiedza chaibwinya. Pakati pomoto paitarisika sedare rinopfuta,
5. uye mumoto makanga mune zvakanga zvakaita sezvisikwa zvipenyu zvina. Pakuonekwa kwazvo, chimiro chazvo chakanga chiri chomunhu,
6. asi chimwe nechimwe chazvo chakanga chine zviso zvina namapapiro mana.
7. Makumbo azvo akanga akarurama; tsoka dzazvo dzakanga dzakaita sedzemhuru uye dzichipenya sendarira yakabwinyiswa.
8. Zvakanga zvina maoko omunhu pasi pamapapiro azvo pamativi azvo mana. Zvose zviri zvina zvaiva nezviso namapapiro,
9. uye mapapiro azvo aigunzvana. Chimwe nechimwe chazvo chaienda mberi chakarurama; zvakanga zvisingacheuki pakufamba kwazvo.