3. Vakapambadzira goridhe rikava marata matete uye vakagura tuwaya kuti tupfekerwe muwuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye mumucheka wakaisvonaka, basa remhizha ino unyanzvi.
4. Vakaita zvipenga zvapapfudzi zveefodhi, zvaibatanidzwa pana mamwe makona ayo maviri, kuti isimbiswe.
5. Bhande rayo romuchiuno rakarukwa nounyanzvi rakanga rakafanana nayo, zvaive chinhu chimwe neefodhi uye zvakagadzirwa negoridhe, newuru yebhuruu, nepepuru netsvuku nomucheka wakarukwa wakaisvonaka, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha.
6. Vakagadzira matombo eonikisi vakaanyudza mukati mamaruva egoridhe uye vakanyora norunyoro rwokutema padombo sezvinoitwa padombo rechisimbiso ramazita avanakomana vaIsraeri.
7. Ipapo vakaisa pamapenga apamapfudzi eefodhi matombo echirangaridzo chavana vaIsraeri sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
8. Vakaita chidzitiro chechipfuva, basa remhizha ino unyanzvi. Vakachiita seefodhi: negoridhe, uye wuru yebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakarukwa wakaisvonaka.
9. Chakanga chakaenzana mativi acho ose ari mana, chakaenzana nechanzaa paurefu uye chakaenzana nechanza paupamhi uye chakapetwa kaviri.
10. Ipapo vakagadzira mitsara mina yamatombo anokosha pamusoro pacho. Mumutsara wokutanga makanga mune ibwe rerubhi, topazi nebheriri;
11. mumutsara wechipiri maiva netekoisi, nesafire uye nemaradhi; mumutsara wechitatu maiva nejasindi, neagati uye neametisi;
12. mumutsara wechina maiva nekirisoriti, neonikisi uye nejasipa.
13. Akanga akagadzirwa mukati mamaruva egoridhe.
14. Paiva namatombo gumi namaviri, rimwe richimirira rimwe ramazita avanakomana vaIsraeri, rimwe nerimwe rakanyorwa, sorunyoro rwakatemwa padombo sechisimbiso chine rimwe ramazita amarudzi gumi namaviri.
15. Chidzitiro chechipfuwa vakachiitirawo uketani hwakarukwa negoridhe rakaisvonaka, rwakaita setambo.
16. Vakaita maruva maviri egoridhe nemhete mbiri dzegoridhe, uye vakasungirira mhete idzi pana mamwe amakona maviri echidzitiro chechipfuva.
17. Vakasungirira humwe uketani huviri hwegoridhe pamhete dzapamakona echidzitiro chechipfuva,
18. uye mimwe miromo youketani pamaruva maviri, zvichibatanidzwa pazvipenga zvapamapfudzi eefodhi nechemberi.