24. Vakaita matamba ewuru yebhuruu, nepepuru netsvuku nomucheka wakarukwa wakaisvonaka wakapoteredza mupendero wejasi.
25. Uye vakaita matare egoridhe rakaisvonaka uye vakaabatanidza achipoteredza mupendero pakati pamatamba.
26. Matare namatamba akanga achipesana akapoteredza mupendero wejasi rinofanira kupfekwa pakushumira, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
27. Vakaitira Aroni navanakomana vake, majasi omucheka wakaisvonaka, basa romuruki,
28. uye nguwani yomucheka wakaisvonaka, bhanire romucheka romumusoro uye nenguo dzapasi dzomucheka wakarukwa wakaisvonaka.
29. Ndaza yacho yakanga iri yomucheka wakarukwa wakaisvonaka wewuru yebhuruu, pepuru netsvuku, basa romuruki, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
30. Vakagadzira ndiro, korona tsvene, yegoridhe rakaisvonaka uye yakanyorwa pairi, sorunyoro rwapachisimbiso, kuti: MUTSVENE KUNA JEHOVHA.
31. Ipapo vakasungirira tambo yebhuruu pairi kuti ibatanidzwe nenguwani, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
32. Saka basa rose patabhenakeri, Tende Rokusangana, rakapera. VaIsraeri vakaita zvinhu zvose sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi.
33. Ipapo vakauya netabhenakeri kuna Mozisi: tende nenhumbi dzaro dzose, zvikorekedzo zvayo, mapuranga, mbariro, matanda nezvigadziko;
34. chifukidzo chamatehwe amakondohwe akapendwa zvitsvuku, chifukidzo chamatehwe emombe dzomugungwa nezvidzitiro zvokudzivirira;