Ekisodho 38:2-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Vakagadzira runyanga pamakona mana ose zvokuti nyanga nearitari zvakanga zvava chinhu chimwe chete, uye vakafukidza aritari nendarira.

3. Vakaita midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo, foshoro dzayo, midziyo yokusasa zvibayiso zvenyama uye namakango apamoto.

4. Vakaitira aritari chiparo, mumbure wendarira, kuti chive pasi pechitsiko chayo, pakati napakati pokukwirira kwearitari.

5. Vakaumba mhete dzendarira kuti dzibate mapango amakona mana echiparo chendarira.

6. Vakaita mapango omuti womuakasia vakaafukidza nendarira.

7. Vakapinza mapango mukati memhete kuitira kuti agova pamativi earitari, kuti vaitakure nawo. Vakaita namapuranga, isina chinhu mukati.

Ekisodho 38