26. Vakafukidza pamusoro payo nokumativi ose uye nenyanga, negoridhe rakaisvonaka, uye vakagadzira hata yakaipoteredza.
27. Vakaita mhete dzegoridhe mbiri pasi pehata, mbiri kuno rumwe rutivi, kuti dzibate mapango aishandiswa pakuitakura.
28. Vakagadzira mapango omuti womuakasia uye vakafukidza negoridhe.
29. Vakagadzirawo mafuta matsvene okuzodza uye nezvinonhuwira kwazvo zvakaisvonaka, basa romuvhenganisi wezvinonhuwira.