1. Mozisi akaunganidza ungano yose yavaIsraeri akati kwavari, “Izvi ndizvo zvinhu zvamakarayirwa naJehovha kuti muite:
2. Mubate basa, mazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe richava zuva dzvene kwamuri, Sabata rokuzorora kuna Jehovha. Ani naani anoita basa ripi zvaro pazuva iro anofanira kuurayiwa.
3. Musabatidze moto panzvimbo ipi zvayo yamugere pazuva reSabata.”
4. Mozisi akati kuungano yose yavaIsraeri, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha:
5. Kubva pane zvamunazvo, mutore chipiriso chaJehovha. Ani naani anoda ngaauyise kuna Jehovha chipiriso chegoridhe, sirivha uye nendarira;
6. wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka; mvere dzembudzi;
7. matehwe amakondohwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa; matanda omuakasia;
8. mafuta omuorivhi emwenje; zvinonhuwira zvamafuta okuzodza uye namafuta anonhuwira kwazvo;
9. mabwe eonikisi namamwe mabwe anokosha okuisa paefodhi nechidzitiro chechipfuva.
10. “Vose vane unyanzvi pakati penyu ngavauye vazogadzira zvinhu zvose zvakarayirwa naJehovha:
11. tabhenakeri netende rayo uye nechifukidzo chayo, zvikorekedzo, mapuranga, mbariro, mapango nezvigadziko;
12. areka namapango ayo uye chifunhiro chokuyananisa uye chidzitiro chinodzivirira;
13. tafura namapango ayo uye midziyo yayo yose uye nechingwa choKuvapo;
14. chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho, mwenje namafuta omwenje;
15. aritari yezvinonhuwira namapango ayo, mafuta okuzodza uye nezvinonhuwira kwazvo; chidzitiro chapamukova wokupinda kutabhenakeri;
16. aritari yezvipiriso zvinopiswa pamwe chete nechiparo chacho chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose; mudziyo wokushambira wendarira nechigadziko chawo;