Ekisodho 31:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

2. “Tarira ndasarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha,

3. uye ndamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokugona nokuziva mhando dzose dzoumhizha,

4. kuita unyanzvi hwebasa regoridhe, sirivha nendarira,

5. kuveza nokuronga mabwe, kushanda pabasa rokuveza matanda, nokubata mumhando dzose dzoumhizha.

Ekisodho 31