1. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
2. “Tarira ndasarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha,
3. uye ndamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokugona nokuziva mhando dzose dzoumhizha,
4. kuita unyanzvi hwebasa regoridhe, sirivha nendarira,