24. Usungirire ngetani mbiri dzegoridhe pamhete dziri pamakona echidzitiro chapachipfuva,
25. nemimwe micheto yengetani inoenda kuzvirukwa zviviri uchizvibatanidza, kuzvipenga zvapamapfudzi zveefodhi nechokumberi.
26. Uite mhete mbiri dzegoridhe ugodzibatanidza kuna mamwe makona echidzitiro chapachipfuva pamupendero wechomukati kunotevererana neefodhi.
27. Uitezve dzimwe mhete dzegoridhe ugodzibatanidza pasi pemapenga apamapfudzi nechokumberi kweefodhi, pedyo nomusono uri nechapamusoro pebhanire romuchiuno reefodhi.
28. Mhete dzepachidzitiro chechipfuva dzinofanira kusungirirwa pamhete dzeefodhi netambo yebhuruu, dzichibatanidzwa nebhanire romuchiuno, kuitira kuti chidzitiro chapachipfuva chirege kubva paefodhi.
29. “Nguva dzose Aroni paanenge achipinda muNzvimbo Tsvene, achange akatakura mazita avanakomana vaIsraeri pamwoyo wake pachidzitiro chechipfuva chokutanga sechirangaridzo chenguva dzose pamberi paJehovha.
30. Uyezve uise Urimi neTumimi muchidzitiro chechipfuva, kuitira kuti vagare vari pamwoyo waAroni pose paanenge achipinda pamberi paJehovha. Nokudaro Aroni acharamba akatakura zvinhu zvokutonga nazvo vaIsraeri pamwoyo wake pamberi paJehovha.
31. “Uite jasi rose zvaro reefodhi nomucheka webhuruu,
32. neburi romusoro pakati paro. Panofanira kuzova nomupendero wakarukwa wakaita sekora unopoteredza buri iri, kuitira kuti rirege kubvaruka.
33. Uite matambo ewuru yebhuruu, yepepuru netsvuku akapoteredza mupendero wejasi, namatare egoridhe pakati pawo.
34. Matare egoridhe namatamba zvinofanira kukayana zvichipoteredza mupendero wejasi.
35. Aroni anofanira kuripfeka paanenge achishumira. Kurira kwamatare kuchanzwikwa paanenge achipinda muNzvimbo Tsvene pamberi paJehovha uye nepaanenge achibuda, kuitira kuti arege kufa.
36. “Uite ndiro yegoridhe ugotema runyoro pairi sezvinoitwa pachisimbiso kuti: MUTSVENE KUNA JEHOVHA.
37. Usungire tambo yebhuruu pairi kuti ibatanidzwe nenguwani; inofanira kuva mberi kwenguwani.
38. Ichava pahuma yaAroni, uye iye achatakura mhosva dzingava pazvipo zvitsvene zvinotsaurwa navaIsraeri, zvingava zvipo zvipi hazvo. Zvichava pahuma yaAroni nguva dzose kuitira kuti zvigamuchirwe naJehovha.
39. “Uruke jasi romucheka wakaisvonaka ugoita nguwani yomucheka wakaisvonaka. Ndaza inofanira kuva basa romuruki.
40. Uite majasi, ndaza namabhanire omumusoro avanakomana vaAroni, kuti vapiwe ruremekedzo nokukudzwa.