1. “Uite kuti Aroni mukoma wako pamwe chete navanakomana vake vanoti Nadhabhu naAbhihu, Ereazari naItamari vauyiswe kwandiri kubva pakati pavaIsraeri kuti vandishumire savaprista.
2. Uitire mukoma wako nguo tsvene, kuti apiwe ruremekedzo uye kukudzwa.
3. Utaurire varume voumhizha vose vandakapa uchenjeri hwokuita zvakadaro kuti vanofanira kusonera Aroni nguo, dzokutsaurwa kwake, kuti agondishumira somuprista.
4. Idzi ndidzo nguo dzavanofanira kuita: chidzitiro chapa chipfuva, efodhi, jasi, nenguo yakarukwa, nengowani uye ndaza. Vanofanira kuitira mukoma wako Aroni navanakomana vake, nguo tsvene idzi.