1. “Uite kuti Aroni mukoma wako pamwe chete navanakomana vake vanoti Nadhabhu naAbhihu, Ereazari naItamari vauyiswe kwandiri kubva pakati pavaIsraeri kuti vandishumire savaprista.
2. Uitire mukoma wako nguo tsvene, kuti apiwe ruremekedzo uye kukudzwa.
3. Utaurire varume voumhizha vose vandakapa uchenjeri hwokuita zvakadaro kuti vanofanira kusonera Aroni nguo, dzokutsaurwa kwake, kuti agondishumira somuprista.
4. Idzi ndidzo nguo dzavanofanira kuita: chidzitiro chapa chipfuva, efodhi, jasi, nenguo yakarukwa, nengowani uye ndaza. Vanofanira kuitira mukoma wako Aroni navanakomana vake, nguo tsvene idzi.
5. Uvaite kuti vashandise wuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku uye mucheka wakaisvonaka.
6. “Vaite efodhi yewuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, basa romunhu ano umhizha.
7. Ngaive namapenga maviri apamapfudzi akabatanidzwa pamakona ayo maviri, kuitira kuti igogona kubatanidzwa.
8. Bhanire rayo rakarukwa noumhizha rinofanira kufanana nayo, rive rebenga rimwe chete neefodhi uye rakagadzirwa newuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa.
9. “Utore mabwe maviri eonikisi ugonyora runyoro rwakatemwa pamusoro pawo mazita avanakomana vaIsraeri
10. zvichienderana nokuberekwa kwavo, mazita matanhatu padombo rimwe chete uye mamwe matanhatu asara anyorwe pane rimwe dombo.
11. Nyora mazita avanakomana vaIsraeri pamatombo maviri nenzira inoitwa nomuvezi wamatombo achitema runyoro pachisimbiso. Ipapo ugoamisa muzvirukwa zvegoridhe
12. uye ugoasungirira pamapenga apapfudzi eefodhi ave matombo echirangaridzo kuvana vaIsraeri. Aroni anofanira kutakura mazita aya pamapfudzi ake chive chirangaridzo pamberi paJehovha.
13. Uite zvirukwa zvegoridhe
14. uye ngeketani mbiri dzakarukwa setambo negoridhe rakaisvonaka, ugobatanidza ngeketani nezvirukwa.
15. “Uite chidzitiro chapachipfuva chokutanga, basa romunhu woumhizha. Uchiite chifanane neefodhi yewuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku, uye mucheka wakaisvonaka wakarukwa.
16. Ngachienzane mativi ose ari mana, kureba kwacho sechanza choruokoa uye upamhi hwakaita sechanza choruoko, uye chipetwe kaviri.