Ekisodho 27:11-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Rutivi rwokumusoro rucharebawo makubhiti zana uye runofanira kuva namachira akarembedzwa, namatanda makumi maviri, nezvigadziko zvendarira makumi maviri, uye zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamatanda.

12. “Kumucheto kworuvazhe, nechokumavirira, kunofanira kuva noupamhi hwamakubhiti makumi mashanud uye machira akarembedzwa, namatanda gumi uye zvigadziko gumi.

13. Kumucheto nechokumabvazuva kwakatarisana nokunobuda nezuva, upamhi hworuvazhe hunofanira kuva makubhiti makumi mashanu.

14. Machira akareba makubhiti gumi namashanue anofanira kuva kuno rumwe rutivi rwomukova, namatanda matatu nezvigadziko zvitatu,

15. uye mamwe machira akareba makubhiti gumi namashanu ngaavewo kuno rumwe rutivi, namatanda matatu nezvigadziko zvitatuwo.

16. “Pamukova wokupinda muruvazhe, uise chidzitiro chakareba makubhiti makumi mavirif, chewuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, basa romusoni anogona, namatanda mana uyewo zvigadziko zvina.

Ekisodho 27