2. “Taurira vaIsraeri kuti vandivigire chipiriso. Unofanira kugamuchira chipiriso changu kubva kumunhu upi noupi anosundwa nomwoyo wake kuti ape.
3. Izvi ndizvo zvipiriso zvaunofanira kugamuchira kubva kwavari: goridhe, sirivha, ndarira;
4. wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nemicheka yakaisvonaka; makushe embudzi;
5. matehwe amakondohwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa; matanda omuakasia;
6. mafuta omuorivhi emwenje; zvinonhuwira zvemafuta okuzodza anonhuwira uye nezvimwe zvinonhuwira;
7. mabwe eonikisi nezvimwe zvinokosha zvinofanira kuiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva.
8. “Ipapo uite kuti vaite nzvimbo yangu tsvene, uye ini ndichagara pakati pavo.
9. Muite tabhenakeri iyi nemidziyo yayo yose nomufananidzo wandichakuratidza.
10. “Uite kuti vaite bhokisi ramatanda omuakasia, rakareba makubhiti maviri nehafua, upamhi kubhiti nehafub, uye kubhiti nehafu pakukwira.
11. Murifukidze negoridhe rakaisvonaka, mukati nokunze, uye muite hata yegoridhe yakaripoteredza.
12. Muiumbire mhete dzegoridhe mugodzisungira pamakumbo aro mana, nemhete mbiri pano rumwe rutivi uye mhete mbiri kuno rumwe rutivi.
13. Ipapo mugoita matanda omuakasia uye negoridhe.
14. Muise matanda aya mukati memhete dziri parutivi rwebhokisi kuti mutakure bhokisi nawo.
15. Matanda anofanira kugara ari mumhete dzebhokisi iri; haafaniri kubviswa.
16. Ipapo mugoisa muareka chipupuriro, chandichakupai.
17. “Muite chifunhiro chokuyananisa chegoridhe rakaisvonaka, makubhiti maviri nehafuc pakureba uye kubhiti nehafud paupamhi.
18. Uye muite makerubhi maviri egoridhe rakapambadzirwa kumacheto echifunhiro.
19. Muite kerubhi rimwe chete kuno rumwe rutivi uye kerubhi rechipiri kuno rumwe rutivi; muite bandi rimwe chete rekerubhi nechifukidzo, pamativi maviri.
20. Mapapiro amakerubhi anofanira kutambanudzirwa kumusoro, akafukidzira chifunhiro. Makerubhi anofanira kutarisana, akatarira kuchifunhiro.
21. Muise chifunhiro pamusoro peareka uye mugoisa muareka, Chipupuriro chandichakupai.
22. Ipapo, pamusoro pechifunhiro chiri pakati pamakerubhi maviri ari pamusoro peareka yeChipupuriro, ndichasangana newe ndigokupa mirayiro yangu yose yavaIsraeri.