Ekisodho 25:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Uye Jehovha akati kuna Mozisi,

2. “Taurira vaIsraeri kuti vandivigire chipiriso. Unofanira kugamuchira chipiriso changu kubva kumunhu upi noupi anosundwa nomwoyo wake kuti ape.

3. Izvi ndizvo zvipiriso zvaunofanira kugamuchira kubva kwavari: goridhe, sirivha, ndarira;

4. wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nemicheka yakaisvonaka; makushe embudzi;

5. matehwe amakondohwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa; matanda omuakasia;

6. mafuta omuorivhi emwenje; zvinonhuwira zvemafuta okuzodza anonhuwira uye nezvimwe zvinonhuwira;

7. mabwe eonikisi nezvimwe zvinokosha zvinofanira kuiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva.

8. “Ipapo uite kuti vaite nzvimbo yangu tsvene, uye ini ndichagara pakati pavo.

Ekisodho 25