Ekisodho 20:2-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. “Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti, munyika youranda.

3. “Usava navamwe vamwari kunze kwangu.

4. “Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro kana wechiri panyika pasi kana wechiri mumvura.

5. Usazvipfugamira kana kuzvinamata, nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwaavo vanondivenga,

6. asi ndicharatidza rudo kumarudzi ane chiuru, avo vanondida uye vanochengeta mirayiro yangu.

7. “Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina nokuti Jehovha haazoregi kupa mhosva munhu upi zvake anoreva zita rake pasina.

8. “Rangarira zuva reSabata kuti urichengete riri dzvene.

9. Uchashanda mazuva matanhatu nokuita basa rako rose,

Ekisodho 20