Dhuteronomi 5:3-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Jehovha haana kuita sungano iyi namadzibaba edu, asi akaiita nesu, nesu tose vapenyu nhasi pano.

4. Jehovha akataura nemi chiso nechiso ari mukati memoto pagomo.

5. Panguva iyo ndakanga ndimire pakati paJehovha nemi kuti ndizivise kwamuri shoko raJehovha, nokuti makanga muchitya moto mukasakwira mugomo. Uye iye akati,

6. “Ndini Jehovha Mwari wako akakubudisa munyika yeIjipiti, munyika youranda.

7. “Usava navamwe vamwari kunze kwangu.

8. “Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho kudenga kumusoro kana panyika pasi kana pasi mumvura.

9. Usazvipfugamira kana kuzvinamata; nokuti ini, Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwaavo vanondivenga,

10. asi ndichiratidza rudo kune chiuru chemarudzi avanondida, vanochengeta mirayiro yangu.

11. “Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina, nokuti Jehovha haangaregi kupa mhosva ani naani anoreva zita rake pasina.

12. “Chengeta zuva reSabata rive dzvene, sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako.

13. “Ubate basa mazuva matanhatu, nokuita basa rako rose,

14. asi zuva rechinomwe iSabata kuna Jehovha Mwari wako. Nomusi uyo usabata basa ripi zvaro, kunyange iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, uye murandarume kana murandakadzi wako, nenzombe yako kana mbongoro yako kana chimwe chezvipfuwo zvako, nomutorwa ari mukati mamasuo ako, kuitira kuti murandarume nomurandakadzi wako azorore sewe.

15. Murangarire kuti imi maimbova varanda munyika yeIjipiti uye kuti Jehovha Mwari wenyu akakubudisai nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa. Naizvozvo Jehovha Mwari wako anokurayira kuti uchengete zuva reSabata.

16. “Kudza baba vako namai vako, sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako, kuti mazuva ako ave mazhinji uye kuti zvigokuitira zvakanaka panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.

Dhuteronomi 5