Dhuteronomi 33:9-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Iye akati pamusoro pababa namai vake, ‘Handivakudzi.’ Haana kurangarira hama dzake kana kuziva vana vake, asi akava mutariri weshoko renyu akachengetedza sungano yenyu.

10. Anodzidzisa mitemo yenyu kuna Jakobho uye nemirayiro kuna Israeri. Achapa zvinonhuwira pamberi penyu nezvipiriso zvose zvinopiswa paaritari yenyu.

11. Ropafadzai kubata kwake kwose, imi Jehovha, mugofadzwa namabasa amaoko ake. Paradzai zviuno zvaavo vanomumukira: rovai vavengi vake kusvikira vasisamukizve.”

12. Pamusoro paBenjamini akati,“Regai mudikanwa waJehovha agare norugare maari, nokuti anomudzivirira zuva rose, uye regai uyo anodikanwa naJehovha agare pakati pamapfudzi ake.”

13. Pamusoro paJosefa akati,“Jehovha ngaaropafadze nyika yake nedova rinokosha rokudenga kumusoro nemvura zhinji dzakadzika dziri pasi;

14. nezvakanakisisa zvinouyiswa nezuva uye zvakaisvonaka zvinopiwa nomwedzi;

15. nezvipo zvakanakisisa zvenyika nokuzara kwayo uye nenyasha dzake iye anogara mugwenzi rinopfuta.

16. Zvose ngazvigare pamusoro waJosefa, pahuma yomuchinda pakati pehama dzake.

17. Muumambo hwake anoita semhongora yenzombe; nyanga dzake dzakaita senyanga dzenyati. Nadzo achatunga ndudzi, kunyange vaya vari kumagumo enyika. Ava ndivo zviuru zvaManase.”

18. Pamusoro paZebhuruni, pakubata kwako,“Fara, iwe Zebhuruni, pakubuda kwako, newe Isakari mumatende ako.

Dhuteronomi 33