Dhuteronomi 25:17-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Murangarire zvamakaitirwa navaAmareki parwendo rwenyu pamakabuda kubva muIjipiti.

18. Pamakanga maziya uye maneta, vakasangana nemi parwendo rwenyu vakauraya vose vakanga vachisaririra shure; vakanga vasingatyi Mwari.

19. Kana Jehovha Mwari wenyu akupai zvose kubva kuvavengi vakakupoteredzai munyika yaari kukupai kuti ive yenyu senhaka, munofanira kudzima kurangarirwa kwaAmareki kubva pasi pedenga. Musazokanganwa!

Dhuteronomi 25