Dhuteronomi 23:5-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Asi, Jehovha Mwari wenyu haana kuteerera Bharamu asi akashandura kutuka akakuropafadzai, nokuti Jehovha Mwari wenyu anokudai.

6. Usatsvaka rugare kana ushamwari navo mazuva ose oupenyu hwako!

7. Haufaniri kusema muEdhomu, nokuti ihama yako. Usasema muIjipita nokuti wakagara somutorwa munyika yake.

8. Rudzi rwechitatu rwavana vake runogona harwo kupinda paungano yaJehovha.

9. Kana muchinge maungana kuti murwe navavengi venyu, zvichengetedzei kubva pazvinhu zvose zvakaipa.

Dhuteronomi 23