Dhuteronomi 22:28-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Kana murume akasangana nomusikana asina kupiwa nduma yokuwanikwa akamumanikidza kuvata naye uye vakawanikidzwa,

29. acharipa baba vomusikana uyu mashekeri makumi mashanub esirivha. Anofanira kuwana musikana wacho, nokuti amukanganisa. Haafaniri kumuramba mazuva ose oupenyu hwake.

30. Murume haafaniri kuwana mukadzi wababa vake; haafaniri kuzvidza nhoo yababa vake.

Dhuteronomi 22