1. Kana ukaona nzombe yehama yako kana gwai rake rarasika, usarishayira hanya asi uone kuti waridzorera kwaari.
2. Kana hama iyi ichigara kure newe kana kuti usingaizivi kuti ndiani, ritore uende naro kumba undorichengeta kusvikira muridzi waro auya achiritsvaga. Ipapo uridzosere kwaari.
3. Uite zvimwe chetezvo kana uchinge waona mbongoro yehama yako kana nguo yake kana chinhu chipi zvacho chaanenge arasikirwa nacho. Usachisiya.