Dhuteronomi 20:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kana muchienda kundorwa navavengi venyu uye mukaona mabhiza nengoro nehondo huru kupfuura yenyu, musavatya, nokuti Jehovha Mwari, uyo akakubudisai kubva muIjipiti, achava nemi.

2. Kana muchinge mava kuda kurwa, muprista anofanira kuuya kuzotaura kuvarwi.

3. Iye achati, “Inzwai, imi Israeri, nhasi muri kuenda kundorwa navavengi venyu. Mwoyo yenyu ngairege kupera simba kana kutya; regai kutyiswa kana kuvhundutswa pamberi pavo.

Dhuteronomi 20