Dhuteronomi 2:18-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. “Nhasi unofanira kupfuura nomunyika yeMoabhu, paAri.

19. Kana woswedera pedyo navaAmoni, usavafurusa kana kuvadenha kuti murwisane, nokuti handingakupei kuti mutore nyika ipi zvayo yavaAmori. Ndakaipa kuti ive yezvizvarwa zvaRoti.”

20. (Naiyowo yainzi inyika yevaRafaimu, vaisimbogaramo; asi vaAmoni vaivadaidza kuti vaZamuzumi.

21. Vaiva vanhu vakasimba, vakawanda, uye vakareba savaAnaki. Jehovha akavaparadza pamberi pavaAmoni, avo vakavadzinga ndokugara munzvimbo yavo.

Dhuteronomi 2