8. usatenda zvaanotaura kana kumuteerera. Usamunzwira tsitsi. Usamurega ari mupenyu kana kumudzivirira.
9. Unotofanira kumuuraya zvirokwazvo. Ruoko rwako ndirwo runofanira kutanga kumuuraya, zvino maoko avamwe vanhu ozotevera pakumuuraya.
10. Mutake namabwe afe, nokuti akaedza kukutsausa kubva kuna Jehovha Mwari wako, uyo akakubudisa muIjipiti, kubva munyika youranda.
11. Ipapo Israeri yose ichazvinzwa ikatya, uye hapana kana mumwe pakati penyu achazoita chinhu chakaipa kudaro zvakare.
12. Kana ukanzwa zvichitaurwa pamusoro perimwe ramaguta amuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu kuti mugaremo
13. kuti vanhu vakaipa vamuka pakati penyu uye vatsausa vanhu vomuguta ravo, vachiti, “Handei tindonamata vamwe vamwari,” (vamwari vausina kumboziva),
14. ipapo unofanira kubvunzisisa, nokutsvakisisa uye nokuferefeta kwazvo. Zvino kana zviri zvechokwadi uye zvanyatsoonekwa kuti ndizvo, kuti chinhu ichi chinonyangadza chakaitwa pakati penyu,
15. munofanira zvirokwazvo kuuraya nomunondo vanhu vose varo nezvipfuwo zvaro.
16. Unganidzai zvose zvakapambwa zveguta pakati poruvazhe mugopisa chose guta uye nazvose zvakapambwa zvaro sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha Mwari wako. Rinofanira kugara riri dongo nokusingaperi, risingazovakwizve.
17. Ngapasava nechimwe chezvinhu izvo zvakatongwa chinoonekwa mumaoko ako, kuti Jehovha adzore kutsamwa kwake kukuru; achakunzwirai tsitsi, agokunzwirai ngoni uye achakuwedzerai uwandu hwenyu, sezvaakakuvimbisai nemhiko kumadzitateguru enyu,
18. nokuti makateerera Jehovha Mwari wenyu, kana mukachengeta mirayiro yandiri kukupai nhasi uye nokuita zvakanaka pamberi pake.