12. Zvino ipapo mugopembera pamberi paJehovha Mwari wenyu, imi navanakomana venyu navanasikana venyu, varanda venyu navarandakadzi venyu, uye navaRevhi vari mumaguta enyu, avo vasina mugove kana nhaka yavo.
13. Muchenjerere kuti musabayira zvipiriso zvenyu zvinopiswa pose pose pamunoda.
14. Muzvipe chete panzvimbo ichatsaurwa naJehovha mune rumwe rwamarudzi enyu, uye ipapo muchapa zvipiriso zvenyu zvinopiswa uye muchaita zvose zvandinokurayirai.