18. Isai mashoko angu aya mumwoyo yenyu nepfungwa dzenyu; asungirei pamaoko enyu sezviratidzo uye muasungire pahuma dzenyu.
19. Adzidzisei kuvana venyu, taurai pamusoro pavo pamunogara pasi uye nepamunenge muchifamba panzira, pamunorara pasi uye nepamunomuka.
20. Anyorei pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu,
21. kuitira kuti mazuva enyu namazuva avana venyu awande panyika yakapikirwa madzitateguru enyu naJehovha kuti achavapa, awande samazuva ayo denga richava pamusoro penyika.
22. Kana mukachenjerera kuchengeta mirayiro yangu iyi yandinokupai kuti mutevere, kuti mude Jehovha Mwari wenyu, kuti mufambe munzira dzake dzose nokubatirira paari,
23. ipapo Jehovha achadzinga ndudzi dzose pamberi penyu, uyu muchatorera ndudzi dzakakura uye dzine simba kukupfuurai.
24. Nzvimbo ipi neipi yamuchatsika netsoka dzenyu ichava yenyu: Nyika yenyu ichabva kurenje ichisvika kuRebhanoni, uye ichabva kuRwizi Yufuratesi ichisvika kugungwa rokumavirazuva.
25. Hakuna munhu achagona kumira kuti akurwisei. Jehovha Mwari wenyu sezvaakakuvimbisai, achaita kuti vanhu vakutyei nokukuvhundukai munyika yose, kwose kwose kwamunoenda.
26. Tarirai, nhasi ndiri kuisa pamberi penyu kuropafadzwa nokutukwa,
27. kuropafadzwa kana muchiteerera mirayiro yaJehovha Mwari wenyu yandinokupai nhasi;
28. kutukwa kana mukasateerera mirayiro yaJehovha Mwari wenyu uye mukatsauka kubva panzira yandinokurayirai nhasi muchitevera vamwe vamwari, avo vamusati maziva.
29. Kana Jehovha Mwari wenyu akuendesai munyika yamuri kupinda kuti muitore, munofanira kudaidzira kuropafadzwa kuzhinji paGomo reGerizimi, uye kutukwa kuzhinji paGomo reEbhari.
30. Sezvamunoziva, makomo aya ari mhiri kweJorodhani, nechokumavirira kwomugwagwa, makananga kumavirazuva, pedyo nemiti mikuru yeMore, munyika yavaKenani vagere muArabha pedyo neGirigari.
31. Mava kuda kuyambuka Jorodhani kuti mupinde uye mutore nyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu. Kana muchinge maitora uye mava kugaramo,