14. ipapo ndichanayisa mvura panyika yenyu nemwaka wayo, mvura yamasutso neyomunakamwe, kuitira kuti mugone kukohwa zviyo zvenyu newaini itsva namafuta.
15. Ndichameresa uswa hwemombe dzenyu kumafuro uye muchadya muchiguta.
16. Chenjerai, kuti murege kunyengerwa kuti mutsauke muchinamata vamwe vamwari uye nokuvapfugamira.
17. Ipapo kutsamwa kwaJehovha kuchapfuta pamusoro penyu, uye achapfiga denga kuti mvura iregere kunaya uye nyika icharega kubereka zvibereko zvayo, uye imi muchakurumidza kuparara kubva panyika yakanaka yamunopiwa naJehovha.
18. Isai mashoko angu aya mumwoyo yenyu nepfungwa dzenyu; asungirei pamaoko enyu sezviratidzo uye muasungire pahuma dzenyu.
19. Adzidzisei kuvana venyu, taurai pamusoro pavo pamunogara pasi uye nepamunenge muchifamba panzira, pamunorara pasi uye nepamunomuka.
20. Anyorei pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu,
21. kuitira kuti mazuva enyu namazuva avana venyu awande panyika yakapikirwa madzitateguru enyu naJehovha kuti achavapa, awande samazuva ayo denga richava pamusoro penyika.
22. Kana mukachenjerera kuchengeta mirayiro yangu iyi yandinokupai kuti mutevere, kuti mude Jehovha Mwari wenyu, kuti mufambe munzira dzake dzose nokubatirira paari,
23. ipapo Jehovha achadzinga ndudzi dzose pamberi penyu, uyu muchatorera ndudzi dzakakura uye dzine simba kukupfuurai.