Dhuteronomi 10:15-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Kunyange zvakadaro Jehovha akafarira madzitateguru enyu akavada uye akakutsaurai, vana vavo, pamusoro pedzimwe ndudzi dzose sezvazviri nhasi.

16. Naizvozvo, dzingisai mwoyo yenyu, uye murege kuva nemitsipa mikukutu zvakare.

17. Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wavaMwari naIshe wamadzishe, Mwari mukuru, ane simba guru uye anotyisa, asingatsauri vanhu uye asingagamuchiri fufuro.

18. Iye anoruramisira nherera nechirikadzi, uye anoda mutorwa, agomupa zvokudya nezvokupfeka.

19. Uye munofanira kuda vatorwa, nokuti imi maimbovawo vatorwa muIjipiti.

Dhuteronomi 10