36. kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune achaiona, uye ndichamupa iye navana vake nyika yaakatsika netsoka dzake nokuti akateerera Jehovha nomwoyo wose.”
37. Nokuda kwenyu Jehovha akanditsamwira neniwo, akati, “Newewo hauchazoipindi.
38. Asi mutevedzeri wako, Joshua, mwanakomana waNuni, ndiye achapindamo.
39. Asi vaduku venyu avo vamakati vachatapwa, vana venyu vasati vaziva zvakanaka kubva pane zvakaipa ndivo vachapinda munyika iyi. Ndichaipa kwavari uye vachaitora.
40. Asi kana murimi, dzokai mufambe makananga kurenje nenzira yokuGungwa Dzvuku.”
41. Ipapo imi makapindura mukati, “Takatadzira Jehovha. Tichaenda tigondorwa, sezvatakarayirwa naJehovha Mwari wedu.” Nokudaro makashonga mumwe nomumwe nhumbi dzokurwa, muchifunga kuti zvaiva nyore kukwira kunyika yamakomo.