12. Asi ini ndingatakure seiko matambudziko enyu nemitoro yenyu uye nokupokana kwenyu ndiri ndoga?
13. Zvisarudzirei varume vakachenjera, vanonzwisisa uye vanokudzwa kubva kurudzi rumwe norumwe rwamarudzi enyu, ndingovagadza pamusoro penyu.”
14. Makandipindura muchiti, “Izvo zvamaronga kuti zviitwe zvakanaka.”
15. Ipapo ndakatora varume vaitungamirira marudzi enyu, varume vakachenjera uye vaikudzwa, ndikavagadza kuti vave vakuru pamusoro penyu, vave vakuru vezviuru, navakuru vamazana, navakuru vamakumi mashanu, navakuru vevane gumi uye navatariri vamarudzi.
16. Zvino panguva iyoyo ndakarayira vatongi venyu, ndikati: Inzwai kupokana kuri pakati pehama dzenyu mugovatonga zvakanaka, ingava mhaka iri pakati pavaIsraeri voga kana pakati pomumwe wavo nomutorwa.