Dhanieri 7:16-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Ndakaenda kuno mumwe wavakanga vakamirapo ndikamubvunza chaizvo zvaireva izvi zvose. “Saka akandiudza ndokundidudzira zvinhu izvi, achiti,

17. ‘Mhuka huru ina ndidzo umambo huna huchamuka panyika.

18. Asi vatsvene voWokumusoro-soro vachapiwa umambo uhu uye huchava hwavo nokusingaperi, hongu nokusingaperi-peri.’

19. “Ipapo ndakada kuziva chokwadi chezvinoreva mhuka yechina, yakanga yakasiyana nedzimwe dzose uye yaityisa kwazvo, namazino ayo esimbi nenzara dzendarira, mhuka yakapwanya ikadya nyama uye ikatsika-tsika namakumbo ayo zvose zvakanga zvasara.

Dhanieri 7