Dhanieri 5:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mambo Bherishazari akaitira makurukota chiuru mabiko makuru akanwa waini pamwe chete navo.

2. Bherishazari achiri kunwa waini yake, akarayira kuti vauyise midziyo yegoridhe neyesirivha iya yakanga yatorwa naBaba vake Nebhukadhinezari kubva kutemberi yokuJerusarema, kuitira kuti mambo namakurukota ake, navakadzi vake uye varongo vake vanwiremo.

Dhanieri 5