Dhanieri 4:26-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Zvakarayirwa kuti hunde yomuti nemidzi yawo zvirambe zviripo zvinoreva kuti umambo hwenyu huchavandudzwa pamuchayeuka kuti denga rinotonga.

27. Naizvozvo, imi mambo, farirai mugogamuchira zvandinokurayirai: Fukidzai zvivi zvenyu nokuita zvakarurama, uye kuipa kwenyu nokuitira zvakanaka vanomanikidzwa. Zvimwe zvingaitika kuti ipapo kubudirira kwenyu kuchaenderera mberi.”

28. Zvose izvi zvakaitika kuna Mambo Nebhukadhinezari.

29. Shure kwemwedzi gumi nemiviri, panguva iyo mambo aifamba pamusoro peimba youshe hweBhabhironi,

30. iye akati, “Ko, iri harizi Bhabhironi guru randakavaka sougaro hwoushe, nesimba rangu guru uye nokuda kwokubwinya kwoushe hwangu here?”

Dhanieri 4