Amosi 7:8-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Uye Jehovha akandibvunza akati, “Unooneiko, Amosi?” Ndakapindura ndikati, “Rwodzi rwokuyeresa.” Ipapo Jehovha akati, “Tarira, ndichaisa rwodzi rwokuyeresa pakati pavanhu vangu vaIsraeri, handichavaponesazve.

9. “Nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaparadzwa, uye nzvimbo tsvene dzaIsraeri dzichaitwa matongo; ndichamukira imba yaJerobhoamu nomunondo wangu.”

10. Ipapo Amazia muprista weBheteri akatumira shoko kuna Jerobhoamu mambo weIsraeri achiti, “Amosi akaita rangano yokukumukirai pakati chaipo pemwoyo weIsraeri. Nyika haigoni kugamuchira mashoko ake ose.

11. Nokuti izvi ndizvo zviri kutaurwa naAmosi: “ ‘Jerobhoamu achafa nomunondo, uye Israeri ichaenda muutapwa, zvirokwazvo kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ”

Amosi 7