Amosi 4:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Inzwai shoko iri, imi mhou dzeBhashani paGomo reSamaria, imi vakadzi vanodzvinyirira varombo uye vanopwanya vanoshayiwa muchiti kuvarume venyu, “Tiunzirei zvokunwa.”

2. Ishe Jehovha apika noutsvene hwake achiti, “Zvirokwazvo nguva ichasvika yamuchatorwa nezvikokovono, vokupedzisira pakati penyu nezviredzo.

3. Muchabuda pakarepo mumwe nomumwe, napakakoromoka masvingo, uye mucharasirwa kunze makananga kuHamoni,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

4. “Endai kuBheteri mundotadza; endai kuGirigari mundowedzera kutadza kwenyu. Uyai nezvibayiro zvenyu mangwanani namangwanani, zvegumi zvenyu mushure mamakore matatu.

5. Pisai chingwa chine mbiriso sechibayiro chokuvonga muzvirumbidze pamusoro pezvipiriso zvenyu zvokungopa, zvirumbidzei nazvo, imi vaIsraeri, nokuti izvi ndizvo zvamunofarira kuita,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

6. “Ndakakupai matumbu asina chinhu mumaguta makuru ose uye ndikakushayisai chingwa mumaguta maduku ose, kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

7. “Ndakamisawo mvura kuti isanaya kwasara mwedzi mitatu kuti mukohwe. Ndakatumira mvura kuguta rimwe chete ndikasanayisa kune rimwe. Mumwe munda wakawana mvura mumwe wakashayiwa uye ukaoma.

Amosi 4