2 Vatesaronika 2:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Hamurangariri here kuti pandaiva nemi ndaisikuudzai zvinhu izvi?

6. Uye iye zvino munoziva chinomudzivisa, kuti aratidzwe nenguva yakafanira.

7. Nokuti chakavanzika chesimba rokutsauka chotoshanda basa; asi uyo anomudzivisa zvino acharamba achiita izvozvo kusvikira iye abviswa.

8. Uye ipapo munhu wokutsauka achazoratidzwa, uyo achaparadzwa naIshe Jesu nokufema kwomuromo wake, achimuparadza nokubwinya kwokuuya kwake.

9. Kuuya kwomunhu wokutsauka kuchaitika sebasa raSatani kuchiratidza nemhando dzose dzezvishamiso zvenhema, zviratidzo neminana,

10. uye nokuipa kwose kunonyengera avo vanoparara. Vanoparara nokuti vakaramba kuda chokwadi uye kuti vagoponeswa.

2 Vatesaronika 2