2 Vakorinde 9:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Handifaniri kunge ndichikunyorerai pamusoro poushumiri kuvatsvene.

2. Nokuti ndinoziva kuda kwamunako kuti mubatsire, uye ndakanga ndichizvirumbidza nokuda kwaizvozvo kuna veMasedhonia, ndichivaudza kuti kubvira gore rakapera, imi vari muAkaya makanga matogadzirira kupa; uye kushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji vavo kuti vapewo.

2 Vakorinde 9