2 Samueri 13:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Ko, ini ndichavei? Uchava somumwe wamapenzi akaipa muIsraeri. Ndapota, taura namambo; haangamborambi kuti ndiroorwe newe.”

14. Asi iye akaramba kumuteerera, uye nokuti akanga ane simba kumudarika, akamubata chibharo.

15. Ipapo Amunoni akabva amuvenga nokuvenga kukuru kwazvo, akamuvenga kupfuura kumuda kwaaiva ambomuita. Amunoni akati kwaari, “Muka uende!”

2 Samueri 13